Ivo mbune!
Not kusimuka kuita zvinhu zvisina nebasa rese varume vakuru! Kumira pamamicrophone muchiita silly things. Stop it! No one is perfect. I am not saying kuti haatadze. Anozviziva uyu mukomana uyu kuti kana paine zvinhu zvaasiri kuita zvakanaka, ndinomuti you stop it!
Ndinomutaurira Kasukuwere. Asi kana tichibata-bata, mangwana Jonathan Moyo; mangwana Kasukuwere. . .ah! Please, regai vanhu vamboita basa. Kana vatadza, tovabvisa kuti vatadza basa. Kucreater macorruption cases against them. Nhema dzega dzega, nhema. It is too much. We have been quiet for a long time. This must stop. Aiwa ka, varume ka, kana musingawirirane, garai pasi mutaurirane; muite iron out maproblems enyu musati mabuda panze.
Makabuda nemaproblems panze saka tokudzidzisai panze vanhu vachinzwa.
Ehe. Charamba uri kupi. Charamba; George. George, iwewe, you are a prolific writer. You are an avid reader. I respect you for that. I respect you in your intellectual capacity. George ndakamuziva uyu, usati wambova necapacity yawanayo, ini ndisati ndaazvandiri, tichishanda tese.
But nhasi izuva rangu rekukuudza semwana wangu.
George is employed in the President’s Office, and as the Presidential Spokesperson, you research iwe for information. Iye zvino, tinongoona muHerald there are only specific people vanotaurwa zvakanaka nezvavo, vamwe vachisiiwa. Unoti tinenge tisingaone here mwanangu?
Tinenge tichiona. Don’t do that. We have travelled naGeorge kwese tichiti pamwe zviya zviya zvekuti pane situation yekuti taenda kumba kwemaAmbassador tiri kuda kuservwa zvekudya iwe unozviziva! George huya mwanangu; tosimuka toserver, tozvininipisa. George huya. . . Hapana mumwe muhu wandaikumbira, but ndaitryer kumusvitsa padhuze, but he did not reciprocate; iwe George. Hatidi kuti udaro. Wakamirira zvaPresident. You cannot separate the President and his wife. Hazvikwanisike.
Mhosva yangu George. . . George, iwe, pawakachata, ndakauya kumuchato wako nemudzimai wako wekutanga. Tikafara. George anozviziva ka, uyu, kuti haangandibvise pakati pemudzimai wake nevana vake. Anozviziva kuti kamwe kamwana kake ishamwari yangu.
Kana ndiri kunyepa iti Mai muri kunyepa. Gara zvako pasi. Aiwa ka, ngaamirire zviripo. Ini ndinoita basa everyday ndichiita basa. George uyu, ndiri mudzimai wababa vake ava; haambofi akauya kuzoonawo zvandiri kuita kuMazowe. Kunze kwekuti uite saizvozvo, basa ndere kunyora zvisina nebasa rese.
Zvisiri zvedevelopment.
Anozviziva uyu kuti ndiri kuita basa guru guru, but haana basa naro. George iwe uri pasi pemaminister; hauna right iwe yekutukana nemaminister. Hauna right. Kana minister anetsa, baba varipo. Unovaudza kuti baba, minister nhingi nanhingi vari kundidai. Ivo vonotswinya nzeve. Vobvonya, zvopera.
Continued next page
(1145 VIEWS)
This post was last modified on July 30, 2017 6:22 am
The International Monetary Fund has called on Zimbabwe to provide more clarity on its transitional…
Switzerland is the most innovative country in the world according to the 2025 Global Innovative…
Take a guess. You will not believe it when you see the answer.
Finance Minister Mthuli Ncune was yesterday taken to task over the cost of the Trabablas…
Plot holders from Irene Township in Mutasa District just outside Mutare, who are being evicted…
An 87-year-old plot holder at Irene Farm in Mutasa District has been ordered to vacate…