Categories: Stories

What Grace Mugabe said in Chinhoyi in full

Vakabviswa pazvigaro zvavanga vainazvo kuWomen’s League chete. Mai Sandi vakasara varipo saMinister wekuBulawayo Metropolitan Province nekuti vaka appointwa nababa. Chigaro ichocho hatina kukwanisa kuvabvisa nekuti vaka appointwa nababa.

Muri kunyatsonzwa zvandiri kutaura?

Hatina kuvabvisa.

Izvi zvanga zviri zvinhu zvedu tega seWomen’s League. Ininiwo zvandiri, hapana angandibvise unless baba vati havachandida; handisi kuita zvinhu zvine musoro. Saka Mai Sandi chigaro chavo cheuko hatikwanise kuchibata nekuti vaka appointwa naPresident.

Asi kwedu pasi uko, kwedu seWomen’s League, tinokwanisa kubvisa vana vedu tichinotaurira vakuru vedu and even zvese zvaiitika izvozvi. Tichinotaurira vakuru vedu and even then zvaitika izvezvi, ndakaudza baba kuti ndozviri kuitika. Ndikaudza VaMphoko ndozviri kuitika. Ndikaenda kunaVice-President Mnangagwa ndikavaudza ndozviri kuitika.

Handaida kuti vazozvinwa kuti zvafamba zvakadai.

Ndaida kutanga ndavaudza, out of respect for you people. Saka zvandiri kuda kutaura mazvinzwa?

Zvaitwa zvaMahoka naSandi Moyo, ndakazoona vanhu vasimuka. Kuda vaifunga kuti nokuti President zvavabvumira Mai Mugabe kubvisa Mahoka naSandi Moyo, yava nguva manje yekushandisa kuvictimiser Kasukuwere.

Uri kuinzwa nyaya yacho?

Teerera.

Vanhu vagomobiliser, vagoenda kumaProvince.

“Hatichada Kasukuwere. Kasukuwere ari kuda kubvisa President nemunin’ina wake.” Vari three? Please, ngatitaurirane chokwadi. Inguva yekutaurirana chokwadi. Zvingaite izvozvo? Iko kamukomana ako, simuka iwe. Une zidumbu zvako. . . but aka?

Simuka, iwe, muri vairi imimi, mugodisposer mudhara imimi ane mhomho yese iyi? Garai pasi. Toda kutaurirana chokwadi. Chokwadi ngachichibuda izvozvi. Ndiri kutaura ndichidaro; Kasukuwere is a minister, a minister who was appointed by the President. Kasukuwere ari kuserver saCommissar aappointwa naPresident. Hapana ane right yekuti ndinobvisa Kasukuwere President vasina kuti chokwadi ndizvozvo.

Hapana.

Zvakaitika izvi; kana dai vanhu vainge vasingafare nezviri kuitwa naKasukuwere, vanhu vangadai vakati ngatinyorei pasi zvatisiri kufadzwa nezvinoitwa naKasukuwere, and we go to the President, tonoudza President kuti Kasukuwere ari kuita one, two, three; ivo vokuudzai zvekuita.

Continued next page

(986 VIEWS)

Don't be shellfish... Please SHARE
Google
Twitter
Facebook
Linkedin
Email
Print

This post was last modified on July 30, 2017 6:22 am

Page: 1 2 3 4 5

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

ZiG confusion

Zimbabwe’s new currency, the Zimbabwe Gold (ZiG,) continued to firm against the United States dollar…

April 19, 2024

US congratulates Zimbabwe on its 44th anniversary, but maintains sanctions on the country

United States Secretary of State Antony Blinken has congratulated Zimbabwe on its 44th independence anniversary…

April 18, 2024

Did you know that if America’s billionaires were considered a country they would be the third richest nation in the world?

The 813 billionaires in the United States have a total wealth of US$5.7 trillion. If…

April 17, 2024

Mnangagwa spokesman says there is nothing to celebrate about latest US move on Zimbabwe sanctions

President Emmerson Mnangagwa’s spokesman George Charamba says there is nothing to celebrate about the United…

April 17, 2024

Two British aristocrats target one of Zimbabwe’s biggest lithium assets

Over drinks back in 2019, two British tycoons, Algy Cluff and Michael Spencer, agreed to…

April 16, 2024

Chamisa accused of destroying the opposition but says opposition is not one person

Former Citizens Coalition for Change leader Nelson Chamisa has been accused of destroying the opposition…

April 15, 2024