Categories: Stories

What Grace Mugabe said in Chinhoyi in full

VaMphoko ava; munhu wandakaziva nguva (yakareba).

Hakuna musi wavasina kuuya kwandiri vasati vatombova Ambassador, ava VaMphoko; tichifarirana, tichitaura. We are great friends, zvakanyanyisa. VaMnangagwa ndakataura, hapana asingazive. Ava ishamwari yangu ava. Asi kana vakandirasawo nhasi handingaziva kuti tichiri pamwe chete here. Asi ndisahwira wangu. Chokwadi, zvechokwadi. Kufa kwakaita mudzimai wavo, vaiuya vachiti, “Amai, vana vari kuuya. Vave nevazukuru.” Vachituma vana kwandiri. Ndozvandinoda kuti zvirambe zvichiitika pakati penyu VaMnangagwa neni.

Ndiri kutaura izvi nekuda kwekuti pane zviitiko zviri kuitika muparty medu.

Pane imwe nguva yandakafonerwa; ini ndinoda kuita role yangu yehumai proper zvisina kutya kana kutyisidzirwa.

Pane nguva yandakafonerwa nevamwe vanhu gore rakapera, zvikanzi handeyi mustreet tinobvisa VaMnangagwa. VaMnangagwa ndikavaudza. Ndiri kunyepa here? Handisi kunyepa. Ndikavaudza VaMnangagwa kuti ndaudzwa kuti tiende mustreet tinokubvisai, but ini ndikaconfronta ivavo kuti imi muri kuti tiende mustreet tinobvisa VaMnangagwa, tisu here takava appointa pachinzvimbo ichocho?

Zviri kumaker sense?

Hatisisu takavaisa pachinzvimbo ichocho. Zvataakuita tikaenda mustreet, tinonoita ruzha, which means we are insulting the President because he is the appointing authority.

Ndikaramba.

Muri kuzvinzwisisa.

VaMnangagwa vakaappointwa naPresident to be the Vice-President saka inini kunyangwe ndiri mudzimai wavo, I have no mandate yekuti ndoungana nevanhu toenda mustreet kunovabvisa.

Hazviite. Hazviite. Kana isu tisingagutsikane nezviri kuitwa naVaMnangagwa, tinoenda kunaPresident tonoti President maelders, vanhu vakuru VaMnangagwa, vatadza zvakati zvakati. Toenda tonoudza baba. Ivo ndivo vodecider nekuti ndivo vakambo decider kuvapa chigaro.

Zvino zvakaitika ndezvekuti. . .Mahoka ari pano, muri kumuona Mahoka? Ndiri kutaura kuti mayouth mudzidze kuti basa rinoitwa sei mangwana. Mahoka naMai Sandi vakange vachiita tunhu twavo tusinakufadza maChairperson. Inini vaindidheerera nekuti inini I can give someone a long rope ndomutarisa.

Vaidheerera vachiita tunhu twavo ndichivaregerera, but maChairperson vakasvika pakuti ayewa, zvamuri kuitira Amai nezvamuri kuitira musangano hatizvide. Toda kumbokusendekai paside. Mukaona vanhu vakasimuka, vakamira vakademonstreta, vakati Mahoka naMai Sandi ngavaitwe set aside.

Continued next page

(1145 VIEWS)

This post was last modified on July 30, 2017 6:22 am

Page: 1 2 3 4 5

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

Britain says amendment of the Zimbabwean Constitution is a sovereign, legislative matter for Zimbabwe to decide

Britain says amendment of the Zimbabwe constitution is a sovereign, legislative matter for Zimbabwe to…

March 24, 2026

Who started the war?

It is now 47 years since I wrote the short story below for a South…

March 4, 2026

Zimbabwe 2026 monetary policy statement at a glance

Zimbabwe has released its 2026 monetary policy statement in which it seeks to stabilise its…

March 1, 2026

Was Chombo Mugabe’s number two?

Far from it, on paper that is. Ignatius Chombo was one of the longest serving…

February 6, 2026

Zimbabwe’s 2026 citizen’s budget

Zimbabwe on Thursday announced a ZiG290.9 billion budget with revenue expected to be ZiG287.6 billion,…

November 30, 2025

IMF says Zimbabwe’s economic recovery in 2025 is stronger than previously anticipated

The International Monetary Fund says Zimbabwe’s economic recovery in 2025 is stronger than previously anticipated…

November 8, 2025