Categories: Stories

What Grace Mugabe said in Chinhoyi in full

Ndiri mai, ndinotsiura, asi chimwe chinhu chandinoita; I don’t (hold) grudges. Ndatotaura zvatopera. Bvunzai vanonyatsondiziva. Nyaya yandakataura musi weThursday kuHarare; ndakati ini nyaya yefactionalism yanetsa, yanyanya kunetsa. Vanhu vakungoona baba nekuti vakura vakati tanonokerwa.

Baba ava ka, ava, isu hatimbofa takasvika palevel ravo rekugona kutaura nekuita basa. Hatigoni. Nyama, yes, zvingaramba, vakafamba zvishoma, but simba rekuramba vachiita basa vanaro. Vanaro. Handiti vari kuuya papodium kuzotaura. Ndoda kuti munzwe mumwe angataura sezvavanoita undiratidze.

And prove me wrong.

Vachauya kuzotaura.

Muchaona kuti chii chandiri kutaura.

Nyaya iripo yandakataura ndeye kuti, ini constitution ndinoinzwisisa zvakanyanya and ndinonzi Dr Grace Mugabe. Ndakadzidza ini. Ndakadzidza; whether ukaramba, ukabvuma. Ramba chete upererwe. Chiripo ndechekuti President Mugabe ndivoPresident vatakasarudza.

Ndinozviziva kuti kuchasvika imwe elective congress yatinoita kunosarudzwa maleaders. Ndinozviziva. Hakusi kuti handizvizivi, but what I was saying ndezvekuti that process yekuti President vakati havachadi, vaakuda kuzorora chitsvagai mumwe, he will certainly be part of that process usingadi uchida. Hazvingaite kuti vangangogara vakadai kuti imi sarudzai wamunoda inini handizi part of it because ndiyo democracy.

He is a member of the party, and above all, he is our President akasarudzwa nevanhu to lead us, and he has to lead us in that process. Muchatitungamira, President, nguva kana yakwana kuti chitsvagai mumwe. Muchititungamira imi. Kana uchizviramba paugere ipapo, ramba asi ndiri kutokutaurira.

Wanzwa Kudzi achitaura apa; ati zvinhu zvese zvinotanga naAmai. Mark my words. Mark my step. Zvese zvinotanga naAmai. Whether you want to twist zvinhu zvacho; zvese zvinotanga naAmai. Munhu wese kunaAmai. Kana wada kusara kwauri uri wega zvava zvako.

Imi munofunga muchiti imimi, shuwa shuwa, baba vagoti handichadi? Vongotisiira chaos. Basa rese ravakaita. All the sacrifice, vachiziva kuti iwe Mai Mugabe haugoni kuendesa nyika mberi, vongonditi tsvee mudonzvo. Nhema chaiyo. Inhema chaiyo. President vachange vainesu. Nguva yavanenge vaakuda kuzorora vachave nesu pakusarudza munhu iyeye.

Saka, ndakati kana nguva yenyu yakwana, motiudza bhiza, isu tomhanya nebhiza iroro.

Hapana chakamboipa apa. Ungandituke, ungandifarira, ungandisekerera, ungandishora, asi ndonyaya yacho yekuti kana nguva yakwana, hakuna munhu achatora chigaro after him without his blessing; period. Chokwadi chakangonaka. Hapana chakaipa. Without his blessing, haunganzi President of this country.

Inini ndine zvakawanda zvekutaura, asi ndakuda kugumira panapa; tozosangana futi pandima inotevera. Watch this space. Ndinoda kutenda nemukana wamandipa wokutaura. Ndinoti Mwari akuitirei zvakanaka. Ngatiitei shun factionalism. Ngatibatanei kana tichida mukuru wedu zveshuwa. Ngatiitei kuti mukuru wedu kana aakuda kuzorora ati, “Aiwa, kana ndikagara zvangu paside, vana vakaenderera mberi nebasa, nyika inenge yakabatana.”

Ndoshuviro yavo. Ndoshuviro yangu. Saka, ini ndinoda kukutendai nekuungana kwamaita. Mwari akuitirei zvakanaka. Pasi nefactionalism.

(1118 VIEWS)

This post was last modified on July 30, 2017 6:22 am

Page: 1 2 3 4 5

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

Developer gives 80-year-old plot holders 5 days to vacate plots they bought 45 years ago

In what appears to be an act of desperation, the developer of Irene Township in…

June 15, 2025

Zimbabwe central bank says there is enough ZiG to meet current and future demand

Zimbabwe’s central bank says there is enough ZiG, the country’s local currency, to meet current…

June 14, 2025

Joke of the day

What is politics “Politics is the art of looking for trouble, finding it everywhere, diagnosing…

May 24, 2025

British MP says dangerous foreign criminals must not be protected

A British legislator Chris Philp says the country’s Human Rights Law must be amended to…

May 24, 2025

Joke of the day

Darling let’s go A tall, good looking girl who had just left college asked her…

May 23, 2025

Zimbabwe has the third most expensive diesel in Africa

Zimbabwe has the third most expensive diesel in Africa after Malawi and the Central African…

May 23, 2025