Categories: Stories

Mugabe says he will step down if war veterans say so but…….

 

ZANLA yakanyoresa kuti tine 22 000, iyo ZIPRA ikanyoresa kuti tine 16 000 zvichiitirwa pakupinda kwatakaita kuti kana togamuchirwa divi redu kunogamuchirwa vakawanda sei. Now hondo yechimurenga yakarwirwa kuti ruzhinji rwevanhu vave nerugare, vave nerufaro, vave zvakare varidzi venyika varidzi vevhu, mabhunu vachitorerwa mapurazi.

Ndosaka takati isu kuLancaster kunodiwa land reform programme yokuti titore mapurazi asi maBritish aifanirwa kubhadhara compensation yevanavavo. Kwete kuti vanhu vedu isu vabhadhariswe mapurazi iwaya nekuti havana kunge vamboatengerwa. Havana kumbenge vapuhwa mari kuti taakutenga mapurazi iwaya kuti taakukutengerai mapurazi iwaya.

Haana kutenga kuvatema akatorwa nechisimba saka isu hatingazobhadhara vakatitorera nechisimba mari. Imi maBritish ndimi munosungirwa kuvabhadhara .Vakabvuma kuti ehee kunyange vakazonzvenga paapashure vanaBlair vaakuda kutimanikidza kuti tibhadhare.

Ndipo patakazosiyana navoka kunyanya. Zvino yandinoda kutaura ndeyekuti mawar veterans ngatizivei kuti hondo patakairwa iyi takairwa pamwechete nevanhu. Tabudirira takati vanhu, the people’s war is over, our people are free. Vanhu vedu vaanerusununguko, vanhu vedu vane nyika yavo, naizvozvo vanhu vedu vane simba iroro, ndivo vane samba rekusarudza vatungamiri — kusarudza hurumende.

Hatinakuti isu varwi vehondo zvavari ivo vaiva nepfuti ndivo vachazova mberi pakutonga aiwa. Takati isu pfuti inotungamirirwa nepolitics. Ndiwo marwiro ataiita. Saka kana paine vamwe varasa pfungwa ndidzodzatirikuda kuti dzitwasanuke idzodzo. Kunyangova paine vamwe vanoda kuti timire kumawar veterans kwedu kuve negroup inonzi it’s a political group yemawar veterans.

Zuva remaelections rasvika tinga hwine here? Saka isu takati mawar veterans zvino ndimi maive nyanzvi dzekurwira nyika yedu saka pindai mumusangano muve nesimba rekuti pamunogona kutungamirira motungamiririra muchipa vanhu simba rekuti vabatane pamwechete asi vari vanhu vazhinji vedu member dzeparty muve nhengo dzeparty imi kwete kuti muzvisarudze momira kunze kweparty.

Aah. Handizvoba. Saka takati tinoda zuva mawar veterans, ehe musvondo rekutanga ra April ramuchanzi muuye kuHarare tisanonyatsotaurirana nyaya idzodzo. Asi tinenge tichida kunzwa zvichemo zvenyu tinyatsoita ruzivo rwekuti vamwe vana vavo vanga vasinga bhadharirwe ehe, kwakanga kusingauye rubatsiro runosungirwa kunge rwuchiuya kwamuri. Zvichemo izvozvo tinoda kuzenge tichizvinzwa asi isuwo tinofanira kutwasanura pfungwa dzine vamwe and pfungwa dzacho dzirikubva dzapihwa vadiki vedu dzakakombama kudaro kuti ah ngavatuke First Lady ngavatuke President.

Mukatarisa zviri kuenda Internet kutuka kusina kunaka kunonzi padano renyu kutukirira nemazwi etsvina, kufundisa vana kudaro. Zvichibva pai, mupfungwa yaana Chris Mutsvangwa. Pfungwa yacho ndeyekuti ahh, President vagarisa dai vabva. Ko kana ndichibva handiti takabva kumaelections, ko takaenderei kumaelections, takaenda kumaelections kuti ndibve pakati peterm yacho isati yapera here?

Continued next page

(648 VIEWS)

Don't be shellfish... Please SHARE
Google
Twitter
Facebook
Linkedin
Email
Print

This post was last modified on March 19, 2016 7:41 am

Page: 1 2 3 4 5 6 7 8

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

Zimbabwe International Trade Fair plans to turn exhibition centre into commercial complex

The Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) has announced an ambitious long-term plan to turn the…

April 25, 2024

ZiG falls against US dollar

Zimbabwe’s new currency today fell against the United States for the first time since its…

April 25, 2024

ZiG plays havoc on the Zimbabwe Stock Exchange

Zimbabwe’s new currency has wiped out a more than 330% gain on the stock market…

April 24, 2024

Jonathan Moyo tells Mushayavanhu to stick to monetary policy and leave money changers to the police

One bane of recent public discourse in Zimbabwe is not only that it is never…

April 23, 2024

ZiG kicks off third week on a stronger note

Zimbabwe’s new currency kicked off its third week on a stronger note raising questions as…

April 22, 2024

Zimbabwe asks US to tell its banks they can now deal with Harare

Zimbabwe Finance Minister Mthuli Ncube is asking the US government to tell banks that they…

April 20, 2024