Categories: Stories

Mugabe says he will step down if war veterans say so but…….

 

Mirai tiende kuCongresska. Kana paine vamwe vamunofunga kuti ava ndivo vangagone basa kupfuura President movaisa mberizve. Congress ikati yaa ava ndivo vatada fine. Saka ndipo patiri kusiyana ipapo nevamwe venyu ende vanobva vada kuenda mberi, vachienda kupi nemaChina vese vanobva vaudzwa kuti taakuda mutungamiriri mutsva.

Zvino chii chiri kuitwa izvozvo. Ini ndiri kuAfrica uku, AU, asi ivo vari kurima President kuno asi ini ndiri kuyedza kusimudzira zita re Zimbabwe, aahh.

Ko ideology inonzi ideology rufundo rwataipa rwakaenda kupi? Zvakapera? Kuti haa unosungirwa kupa rukudzo kuvatungamiriri, zvakare kana paine nyaya kuine ma contradictions anogarirwa pasi mumusangano mokurukura moona kuti gwara ramungatora nderipi. Ndo zvatinoita kumusangano.

Kana munhu warasika, arasika waenda tome waenda tome saka hatidi kuti vanhu vatakagara navo hondo vakatambudzika nokuti wazouya kuno kumusha waona kuti aaa ukatora rimwe gwara ringakupe mufaro unopfuura wauinawo wobva watsvedza kudaro izvo Kwete. Hatidi matsvedzero erudzi irworwo saka ma war veterans huyai ku Harare muchapiwha date muna April svondo rekutanga tikurukurirane and hapana zvekutyanana tinenge tichiti taurai zvirikumoyo kwenyu . Kana maakuda kuti vatungamiri vabve, ini ndibve ndinobvaka kana madaro, zvauya nokuparty but zvinokubatsirai here iyezvino.

Vana Mujuru vakada kuzviita muna 2008 nana Simba Makoni nana Dumiso ndokubva vabatana. Mujuru waiti aa no vanhu havangatambudzike muno munyika achitaura nenyaya yema sanctions aakupomera ini ma sanctions acho. Havangatambudzike pamusana pemunhu mumwechete, people cannot suffer because of one person, Mugabe, ngaabve horaiti saka ngaabve netsika ipi, ngativambei imwe party ndokubva vatsveterana nana Simba Makoni ndokuita chi party chavo ichochi chainzi mavambo. Aaaa vakazosiyana vasati vambosvika kuma election asi zvavakazoita ndezvekuti, vofamba muma province vachiti aaa kuma elections regai kuvhotera President akawhina kare asi mamwe ma constituencies ava ma delegates ehe and takazobuda 2008 taruza. We got 43% Tsvangirai akawana 47% asi constitution yedu yenyika yaiti kana makwikwi ari evanhu vanopfuura vaviri, makwikwi ehu President anowhina anosungirwa kuwana 50% plus. Ndozvakandiponesa chete izvozvo nokuti vamwe vakadanzuka vachinovhotera Simba Makoni vamwe vakanzi regai kuvhota President akawhinha kare kuuraya party izvozvo pfungwa yave yei, a mistaken view yekuti aaa kana president akaruza ndiye anenge aruza, tikawana majority chete ku parliament neku senate aaa tozoita Government iye anenge aruza tozofoma isu cabinet yatinoda na leader watinoda vasingazive kuti Kwete yerudzi irworwo yokuti mune majority ku parliament yakafa patakabva yehu Prime Minister na president Banana ndopatainzi ve parliament kana anenge awana majority ndiye anozosarudzwa anonzi asarudze kuita hurumende yake iye ari prime minister .

Continued next page

(648 VIEWS)

Don't be shellfish... Please SHARE
Google
Twitter
Facebook
Linkedin
Email
Print

This post was last modified on March 19, 2016 7:41 am

Page: 1 2 3 4 5 6 7 8

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

Zimbabwe worried ZiG is appreciating too fast?

Zimbabwe, whose currency declined 80% this year before being abandoned, is now worried about its…

April 19, 2024

ZiG confusion

Zimbabwe’s new currency, the Zimbabwe Gold (ZiG,) continued to firm against the United States dollar…

April 19, 2024

US congratulates Zimbabwe on its 44th anniversary, but maintains sanctions on the country

United States Secretary of State Antony Blinken has congratulated Zimbabwe on its 44th independence anniversary…

April 18, 2024

Did you know that if America’s billionaires were considered a country they would be the third richest nation in the world?

The 813 billionaires in the United States have a total wealth of US$5.7 trillion. If…

April 17, 2024

Mnangagwa spokesman says there is nothing to celebrate about latest US move on Zimbabwe sanctions

President Emmerson Mnangagwa’s spokesman George Charamba says there is nothing to celebrate about the United…

April 17, 2024

Two British aristocrats target one of Zimbabwe’s biggest lithium assets

Over drinks back in 2019, two British tycoons, Algy Cluff and Michael Spencer, agreed to…

April 16, 2024