Categories: Stories

Mugabe says he will step down if war veterans say so but…….

Hameno kuti papurazi ipapo pane zvatakaita here kana zvatirikuta kuti tive nemufananidzi wekuti pane chiyeurudzo chekuti mangwana toti tazoenda vadiki vedu vanenge vachiudzwa kuti pano apa ndopakavamba chaizvoizvo usandu hwekurwisa mabhunu. Kana zvisati zvaitwa tingade kuti tigare pasi nana Kasukuwere nevamwe vekuno kuti tione kuti papurazi ipapo chii chatingaite. Kana papurazi iroro rinofanirwa kutorwa kuti rive mumaoko edu futi.

Kareko taingoti vana vanenge vanzi vanodzidziswa pfuti — vatatu, vana, vatanhatu kunyangwe kusvika gumi — chimboendai, yambukai Zambezi munonoona zvekuita kumusha kune vanhu vachakutambirai. Voenda vakatakura mikwende, ukuku vane pfuti, uku vane zvokudya netumatsimba twavo pakuyambuka kwavo vanokwira makomo emuna Zambezi iwawo amunoziva. Mvura yacho yokunwa matsime aizivikanwa vaifana vagarirwa mumatsime imomo vasvika vabatwa, vasvika vabatwa. Isu toti tirikuno kumusha ko seiko tichingoti nekuti taiva mumajeri ka vauya vabatwa nekuti vaiti vakauya mumajeri toziva votiudza kuti aah ndomafambiro ataita aya takabatwa pakati, takabatwa pakati toti vakanga vachigaririrwa munzvimbo dzavanonwa mvura, nzvimbo dzavanopihwa sadza. Zvino paAltina ndopakazovambwa marwiro akataurwa navaMao (Tse-Tung) kuti ndiwo anofanirwa kuitwa.

Imi hamungoenda chete nepfuti muchitonorwisa mubhunu aiwa, zivai kuti mubhunu anenge ane pfuti dzakakura kupfuura dzenyu zvakare vanenge vane huwandu hwemasoja kupfuura imimi muri vashoma. Saka huwandu hwenyu imi vanhu vazhinji. Vanhu pahuzhinji hwavo ndivo vanosungirwa kukutsigirai imi moenda pakati pevanhu movadzidzisa kuti kune hondo yerusununguko. Vova ivo maziso enyu, nzeve dzenyu, zvakare vanokuchengetai, vanokubikirai, zvakare kana marwara, ehe vanokuchengetai. Asi pakati pavo vaine vana vamunogonawo kutora vachienda kunze. Saka itai sehove imi vanhu vatakurei futi. Vanhu ndivo mvura yenyu. Hove hairarame iri kunze kwemvura, saka ruzhinji rwevanhu rwova mvura inokubatai ichikubatsirai inokuraramisai inoita kuti mufambe muenderere mberi. Ndopakauya tsika iyoyo itsva yokurwa nayo. Ndosaka vana Smith vakademba kuti aaah zvauya iyezvinezvi zvava zvitsva which is why taive mumajeri tichirwa vachidemba kudaro.

Saka kuno kuMashonaland Central kune mbiri iyoyo. Kune mbiri yekubatana kwevanhu, kune mbiri yekuenderera mberi kwevanhu, kutsigira chimurenga. Kana va MPs vachitiudza kuti aaah isu tinotsvaira pama elections hazvishamise nokutika ndiko kwakavambwa struggle zvinoka chokwadi. Varwi verusununguko vakabva kuma province akasiyanasiyana. Hapana province yatingati iyi yakasaririra shure. Hongu kungadai kwakaita vazhinji vamwe sokunoku vazhinji vamwe vanobva kuManicaland and so on and so forth. Asi hazvireve kuti kune dzimwe nzvimbo dzese kwakanga kusina aiwa. Zapuwo yaiitawo izvozvo kuMatabeleland vachitorawo part of Mashonaland West kunana Hurungwe nana maarea eku Kariba iyo iya iyi. Saka vaipinda naikoko asi pamusana pekutadzirana kwakavapo kuZAPU nana Chikerema nana Nyandoro vakurwisana vachiti ah no munetribalism vanaChikerema vakubuda vachinovamba FROLIZI . ZAPU yakamboti dzikirei pasi . . . asi ZANLA yakangoramba ichienderera mberi. Asi tazosvika zvino muna 1976-77 vakazozviumba patsva eh ZIPRA vakazotuma vanhu vakatiwande kunze. Patakazosvika 1979 kuLancaster vakanga vane dzamatsama remacomrades ratakanyoresa.

Continued next page

(807 VIEWS)

This post was last modified on March 19, 2016 7:41 am

Page: 1 2 3 4 5 6 7 8

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

IMF calls for more clarity on transitional plan to make ZiG sole currency by 2030

The International Monetary Fund has called on Zimbabwe to provide more clarity on its transitional…

October 8, 2025

Which is the most innovative country in the world – The answer

Switzerland is the most innovative country in the world according to the 2025 Global Innovative…

October 7, 2025

Which is the most innovative country in the world?

Take a guess. You will not believe it when you see the answer.

October 7, 2025

Mthuli Ncube taken to task over cost of Trabablas Interchange

Finance Minister Mthuli Ncune was yesterday taken to task over the cost of the Trabablas…

July 10, 2025

Our lawyer betrayed us- Mutasa plot holders say

Plot holders from Irene Township in Mutasa District just outside Mutare, who are being evicted…

July 2, 2025

No one spared. 87-year-old disabled to be evicted from his plot by Wednesday

An 87-year-old plot holder at Irene Farm in Mutasa District has been ordered to vacate…

June 28, 2025