Categories: Stories

Mugabe says he will step down if war veterans say so but…….

Mugabe’s full speech as reported in The Herald

The following is President Mugabe’s address to thousands of people who gathered at Chipadze Stadium in Bindura after he officially opened the Zimbabwe Assemblies of God Africa (ZAOGA)-run university.Pamberi ne zanu-PF! Pamberi ne zanu-PF! neChimurenga, neChimurenga! Pamberi nekugutsa vanhu! Nekugutsa vanhu! Nefundo kuvana! Nefundo kuvana! Utano kuvanhu! Utano kuvahu! Pamberi nokubatana! Pamberi nokubatana! Nokunzwanana! Nokubatsirana! Pasi ne MDC. Va president vedu ve Senate Mai (Edna) Madzongwe vari pano, Minister vaKasukuwere (Saviour) vanova ndo Minister vedu veku Local Governance asi kuparty varivo vanonzi mai vemusangano, commissar vedu. Ndanzwa kuti kune vamwe ma minister vabva kune dzimwe nzvimbo, VaMzembi (Walter) vari pano ndinovacherechedzawo, Mai Resident Minister veHarare vaChikukwa (Miriam) ndinovacherechedzawo, vaDinha (Adv Martin) vanova ndova Resident Minister kuno naivowo zvakare nyangwe variiwo varikutitambira zuva ranhasi kuno asi tinodawo kuvacherechedza pamusangano uno sevakuru.

Chairman vedu veMashonaland Central province va(Dickson) Mafios nemhuri yavo yeExecutive yese yeprovince, ma war veterans vari pano. VaChipanga (Kudzanayi) vanova ndivo deputy secretary wema youths nevamwe vangadai varipano. Vamwe vakamiririra madzimaiwo vari pano mose tinofara kuti mauyawo pamusangano uno.

Aiwa rwendo rwuno tanga tauya takanangana nenyaya yechikoro chikuru ichi chatavhura muno. Mashonaland Central yaive province yakanga yakadzikira panyaya yefundo. Yaingozivikanwa chete kuti yaingova neHoward, Mazowe yakazouya mushure asi yaingonzi kune Howard, Howard chete. Saka zvikoro zvaiwe zvishoma. Saka hazvina kuita kuti vanhu vakwanise kuvawo vazhinji vanofunda kudivi rino iri. Asi zvisinei takazova nenyika yedu takagadziridza izvozvo uyezve zvikoro zvawanda saka iyi iUniversity yechipiri. Kune Bindura University yakavamba kare yamunoziva.

Ndinoda kutenda nezvandaudzwa navaDinha nava Mafios wo zvakare kuti kudya kurikuuya kurikugovewa zvakanaka asi kune nzvimbo dzinoda kuti kupamhidzirwe. Tichange tichiona kuti zvaitwa izvozvo. Seruzivo rwuripo kare kunana Kasukuwere nevamwe vatinoshahanda navo muCabinet, kudya kuripo, chinoti nonoke itransport. Ndoinenge isinga kurumidze kusvitsa kudya kuvanhu zvakare kusvitsa kudya kwacho kwakakwana. Saka vanhu vanobva vangobvutidzana zvishoma izvozvo zvinenge zvasvika. Zvisinei tinotenda kuti pakubvutidzana ikoko munenge munoruzivowo kuti dai takwana tose.

Hatisati tanzwa kunzi kune nzvimbo kwakaitika rufu pamusana penzara, hatingade kunzwa izvozvo. Nemiwo mukanzwa kuti kune nzvimbo yabva yatambudzika zvikurukuru kana pane zvamunogona kuita panguva iyoyo itai isu tichigadzirira kuti kudya kusvike kunzvimbo idzodzo. Saka tichange tichiona kuti tingagadziridze sei nyaya yetransport iyoyo. Asi ndauya kuno uku, ndinoti ndauya kunzvimbo yatinoti iyo yemavambo yemarwiro edu erusununguko atakati ava matsva, ava nomusandu. Ndokwakavamba guerilla struggle, proper guerilla struggle on proper lines. Kana vana (Ian) Smith taiva mumajeri isu asi vakadura vakati aah rwendo rwuno zvatakuona zvaanomusandu, hazvisisiri zvechinyakare, totosimba, vaive vana Smith ivavo kuti aiwa pava nemusandu pakurwiswa kwatiri kuitwa. Zvavambira kupi kupurazi riya rinonzi Altena Farm.

Continued next page

(885 VIEWS)

This post was last modified on March 19, 2016 7:41 am

Page: 1 2 3 4 5 6 7 8

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

Britain says amendment of the Zimbabwean Constitution is a sovereign, legislative matter for Zimbabwe to decide

Britain says amendment of the Zimbabwe constitution is a sovereign, legislative matter for Zimbabwe to…

March 24, 2026

Who started the war?

It is now 47 years since I wrote the short story below for a South…

March 4, 2026

Zimbabwe 2026 monetary policy statement at a glance

Zimbabwe has released its 2026 monetary policy statement in which it seeks to stabilise its…

March 1, 2026

Was Chombo Mugabe’s number two?

Far from it, on paper that is. Ignatius Chombo was one of the longest serving…

February 6, 2026

Zimbabwe’s 2026 citizen’s budget

Zimbabwe on Thursday announced a ZiG290.9 billion budget with revenue expected to be ZiG287.6 billion,…

November 30, 2025

IMF says Zimbabwe’s economic recovery in 2025 is stronger than previously anticipated

The International Monetary Fund says Zimbabwe’s economic recovery in 2025 is stronger than previously anticipated…

November 8, 2025