Categories: Stories

Mugabe says he will step down if war veterans say so but…….

Mugabe’s full speech as reported in The Herald

The following is President Mugabe’s address to thousands of people who gathered at Chipadze Stadium in Bindura after he officially opened the Zimbabwe Assemblies of God Africa (ZAOGA)-run university.Pamberi ne zanu-PF! Pamberi ne zanu-PF! neChimurenga, neChimurenga! Pamberi nekugutsa vanhu! Nekugutsa vanhu! Nefundo kuvana! Nefundo kuvana! Utano kuvanhu! Utano kuvahu! Pamberi nokubatana! Pamberi nokubatana! Nokunzwanana! Nokubatsirana! Pasi ne MDC. Va president vedu ve Senate Mai (Edna) Madzongwe vari pano, Minister vaKasukuwere (Saviour) vanova ndo Minister vedu veku Local Governance asi kuparty varivo vanonzi mai vemusangano, commissar vedu. Ndanzwa kuti kune vamwe ma minister vabva kune dzimwe nzvimbo, VaMzembi (Walter) vari pano ndinovacherechedzawo, Mai Resident Minister veHarare vaChikukwa (Miriam) ndinovacherechedzawo, vaDinha (Adv Martin) vanova ndova Resident Minister kuno naivowo zvakare nyangwe variiwo varikutitambira zuva ranhasi kuno asi tinodawo kuvacherechedza pamusangano uno sevakuru.

Chairman vedu veMashonaland Central province va(Dickson) Mafios nemhuri yavo yeExecutive yese yeprovince, ma war veterans vari pano. VaChipanga (Kudzanayi) vanova ndivo deputy secretary wema youths nevamwe vangadai varipano. Vamwe vakamiririra madzimaiwo vari pano mose tinofara kuti mauyawo pamusangano uno.

Aiwa rwendo rwuno tanga tauya takanangana nenyaya yechikoro chikuru ichi chatavhura muno. Mashonaland Central yaive province yakanga yakadzikira panyaya yefundo. Yaingozivikanwa chete kuti yaingova neHoward, Mazowe yakazouya mushure asi yaingonzi kune Howard, Howard chete. Saka zvikoro zvaiwe zvishoma. Saka hazvina kuita kuti vanhu vakwanise kuvawo vazhinji vanofunda kudivi rino iri. Asi zvisinei takazova nenyika yedu takagadziridza izvozvo uyezve zvikoro zvawanda saka iyi iUniversity yechipiri. Kune Bindura University yakavamba kare yamunoziva.

Ndinoda kutenda nezvandaudzwa navaDinha nava Mafios wo zvakare kuti kudya kurikuuya kurikugovewa zvakanaka asi kune nzvimbo dzinoda kuti kupamhidzirwe. Tichange tichiona kuti zvaitwa izvozvo. Seruzivo rwuripo kare kunana Kasukuwere nevamwe vatinoshahanda navo muCabinet, kudya kuripo, chinoti nonoke itransport. Ndoinenge isinga kurumidze kusvitsa kudya kuvanhu zvakare kusvitsa kudya kwacho kwakakwana. Saka vanhu vanobva vangobvutidzana zvishoma izvozvo zvinenge zvasvika. Zvisinei tinotenda kuti pakubvutidzana ikoko munenge munoruzivowo kuti dai takwana tose.

Hatisati tanzwa kunzi kune nzvimbo kwakaitika rufu pamusana penzara, hatingade kunzwa izvozvo. Nemiwo mukanzwa kuti kune nzvimbo yabva yatambudzika zvikurukuru kana pane zvamunogona kuita panguva iyoyo itai isu tichigadzirira kuti kudya kusvike kunzvimbo idzodzo. Saka tichange tichiona kuti tingagadziridze sei nyaya yetransport iyoyo. Asi ndauya kuno uku, ndinoti ndauya kunzvimbo yatinoti iyo yemavambo yemarwiro edu erusununguko atakati ava matsva, ava nomusandu. Ndokwakavamba guerilla struggle, proper guerilla struggle on proper lines. Kana vana (Ian) Smith taiva mumajeri isu asi vakadura vakati aah rwendo rwuno zvatakuona zvaanomusandu, hazvisisiri zvechinyakare, totosimba, vaive vana Smith ivavo kuti aiwa pava nemusandu pakurwiswa kwatiri kuitwa. Zvavambira kupi kupurazi riya rinonzi Altena Farm.

Continued next page

(648 VIEWS)

Don't be shellfish... Please SHARE
Google
Twitter
Facebook
Linkedin
Email
Print

This post was last modified on March 19, 2016 7:41 am

Page: 1 2 3 4 5 6 7 8

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

Zimbabwe International Trade Fair plans to turn exhibition centre into commercial complex

The Zimbabwe International Trade Fair (ZITF) has announced an ambitious long-term plan to turn the…

April 25, 2024

ZiG falls against US dollar

Zimbabwe’s new currency today fell against the United States for the first time since its…

April 25, 2024

ZiG plays havoc on the Zimbabwe Stock Exchange

Zimbabwe’s new currency has wiped out a more than 330% gain on the stock market…

April 24, 2024

Jonathan Moyo tells Mushayavanhu to stick to monetary policy and leave money changers to the police

One bane of recent public discourse in Zimbabwe is not only that it is never…

April 23, 2024

ZiG kicks off third week on a stronger note

Zimbabwe’s new currency kicked off its third week on a stronger note raising questions as…

April 22, 2024

Zimbabwe asks US to tell its banks they can now deal with Harare

Zimbabwe Finance Minister Mthuli Ncube is asking the US government to tell banks that they…

April 20, 2024