Categories: Stories

Mugabe says he will step down if war veterans say so but…….

 

Vakutaura kuti ma election aitwa rig. Ko aitwa rig urikupi iwewe? Ok wonoudza nhingi,Tsvangirayi kuti hee taita rig ma elections, wochitaura kuti ehee, ivo vairiga uripapi? Ini handizive kuti maelection airigwa, vanhu vaingo enda kuma election fair fair, vachi vhota vachiwonekwa pachena chena apana kwainzi imi vhotai kaviri vamwe katatu. Atina kumbodaro hatimbofa taka biridzira maelection isu.

Kotino biridzira vanhu tinenge tisina here support? Right, party inoda kuramba yakasungana, hatina kusungana zvakakwana ezvino. Kune nzvimbo, tanga tichikuudzai nezvimwe zvanga zvichiitika, nekuma youth kwedu futi kwanga kune nyaya dzanga dzichiitika. Kwete chete kuma war veterans. Saka nyaya imwe chete iyo ye ambition,ye number one iyoyi. Zvino number one ka ndiyo yakapihwa VaMugabe 2013, kuti ndimi moenda pa number one.

Ko for five years ka? Tozoenda kuma election kucongress kwedu five years dzapera. Aninge achida number one wouya pamberi , woti ahh ini ndanga ndichidawo kuno kwikwidza hazvirambidzwe. Vanhu kana vakuvhotera vakuvhotera zve. Zvino, hameno imi mongoramba makateya wonzeve, nekuti pfungwa dzacho dzingaku svikireiwo and hatidi kuti mutengwe hatidi kuti muudzwe zvisirizvo.

Kuma war veterans edu hatidi zvakare kuti muudzwe zvisirizvo, muudzwe zvekutukirira maleaders, aiwa, hatidi ba. Musangano wanga wadanwa wakazo unzwa mapurisa atina kunge tambouziva isu , kana. Chawanga wadanidzirwa hatimbo chiziva. Nekuti tanga tisina kumboudzwa. Va Sekeramayi ndi secretary vacho vanga vasina kumboudzwa. Saka takati toita musangano wakanaka muna April, vanhu mokokwa zvakanaka. Ma leaders vanenge varipo todana vese vataive navo kuhondo, vana Sekeramayi vana Minister muno muziva, minister ari ku security mazuvano, hamumuzive perhaps vamwe vacho, murufu uyu anonzi Mohadi. Ndeve kusecurtity vaive kuhondo vaive ku Zipra.

Saka vese vanouya ivavo, ne veku defense toda kuti vavepo ikoko. Kune commander vari kumusoro. Kunoti we army, weku airforce, Va Chihuri vese taive navo kuhondo, Va Zimhondi veku ma prisons vese taive navo vese tinoda kuti vavepo kuti titwasanure maitiro edu as war veterans.

Nekuti pane pfungwa dzirikusiyana, dzinoti siyanei ipapo. Ndati tanga tauya kuzo kupembedzai toramba takadaro moona kuti chikoro ichi chaenderera mberi chi-chirichitsva pachiri kuvakwa. Pachiri kudiwa zvakare ma teacher apamusorosoro anonzi ma lecturers, vanotsvagwa vatinoti vane ruzivo vanoenda kuma discipline akasiyana siyana nekuti vanoda kuti chikoro ichochi chive neruzivo ruzere pavene ma disciplines. Kana tichiti madisciplines tinenge tichireva ma subjects makuru anotevedzwa se agriculture tinoti idiscpine iyoyo. Law idiscipline iyoyo. Health yeku trainer ma doctors idiscipline iyoyo

Continued next page

(648 VIEWS)

Don't be shellfish... Please SHARE
Google
Twitter
Facebook
Linkedin
Email
Print

This post was last modified on March 19, 2016 7:41 am

Page: 1 2 3 4 5 6 7 8

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

ZiG is my currency, your currency, everybody’s currency-FinMin

Zimbabwe Finance Minister Mthuli Ncube told legislators yesterday that the newly introduced Zimbabwe Gold currency…

April 11, 2024

Introduction of ZiG part of the de-dollarisation agenda- FinMin

The introduction of the Zimbabwe Gold (ZiG) as the country’s new currency is a critical…

April 10, 2024

Zimbabwe grappling with its 6th currency change

Zimbabwe businesses have not transitioned to the nation’s new currency as they continue to adjust…

April 10, 2024

Chamisa starts whatsapp news channel

Opposition leader Nelson Chamisa has formed a whatsapp news channel called Chamisa News Channel (CNC).…

April 8, 2024

Media reporting on Zimbabwe drought is disappointing

In the last week, Zimbabwe, following both Malawi and Zimbabwe, has declared a drought emergency,…

April 8, 2024

ZiG can only last if Mnangagwa puts his foot down

Zimbabwe central bank governor John Mushayavanhu can shout “not under my watch” as much and…

April 7, 2024