Naizvozvo nedollar rimwe chete, unokwanisa kutenga zvimwe zvinhu zvakachipa kuSouth Africa.
Zvingachipe hongu, zvinosvikawo zvichiuya muno munyika zvakachipa kudaro. Ko, vedu vanga vachirima muno zvimwe zvinotengwa nemadollar votokanda pasika mapadza? Kuvabatsira ikoko? Zvino yakava nyaya.
Hoo, hapana zvakabva zvapindirirwawo, ndonyaya yanga ichirambwa namufundisi vativerengera Bible apa navanonzi VaMawarire. Hameno kwavakabva nako, ndangovanzwawo zvonzi ahh, ndivo vabva vauya vachisvetukira nyaya idzi.
Kuti haa, vanhu havanganzarwo, ngakuregerwe vachitenga zvavanoda ikoko. Zvino zvakadaro hapana nyika pasi pano isingazvidzivirire. Hapana, hapana! Nyika dzose pasi pano hadzibvume kuti zvinhu zvakachipa zvingouya munyika yadzo.
Ah ah, ndiyo yavanoti dumping iyoyo. Hatidi isisu kuti dumping-wo iitwe muno umu. Zvimwe chetezvo nezvimbatya zvinongouya, zvesecond hand. Zvimwe munozviti chii? Mazitye, zvimwe zvinobva nekuChina zvakachipa. Maizviti chii?
Zvose izvozvo. Zvino kana muine mbatya, muchiita mafactory anoita mbatya, mungave nesecond hand, hamungade kuti mazitye apinde anotadzisaka ava vane mbatya dzakanaka ava.
Ndozvazviri izvo. Zvino moti ahh, nekuti vanhu vedu vanga vakuchemawo kuti taakunorasa zvirimwa zvedu nekuti zveSouth Africa zviri kupinda zvakawandisa. Asi kana tisingarime muno, ahh, tingagoti tiri kuitei tichirambidza kuti kana zviri zvokudya zvichiuya muno umu?
Huku dzinobva kuBrazil dzine jekiseni yemvura mukati kuti dzifute dzohodhwa kuSouth Africa, dzonzi dzakachipa dzouya kuno?
Zvino vanhu vari mumabasa vanongoti zvakatichipira kugocha, ehe but isu tinenge tichiti kwete, tinadzo huku dzakawanda, mazai azere tinawo muno akawanda, nyama yenguruve izere yakawanda.
Continued next page
(1750 VIEWS)
This post was last modified on August 10, 2016 2:51 pm
The Deputy Minister of Primary and Secondary Education Angeline Gata yesterday told Parliament the dilemma…
South Africans are wearily attuned to governments’ Orwellian misuse of language. After all, South Africa…
Doctor and plumber A doctor phoned a plumber at 2am and asked if he could…
Ruling Zimbabwe African National Union-Patriotic Front chief whip Pupurayi Togarepi today asked Speaker of Parliament…
Get yourself a boyfriend A young female teacher, teaching grammatical errors and how to correct…
Marondera Central legislator Caston Matewu has accused the private sector of turning internship, commonly known…