Categories: Stories

Mugabe says protests don’t pay

Naizvozvo nedollar rimwe chete, unokwanisa kutenga zvimwe zvinhu zvakachipa kuSouth Africa.

Zvingachipe hongu, zvinosvikawo zvichiuya muno munyika zvakachipa kudaro. Ko, vedu vanga vachirima muno zvimwe zvinotengwa nemadollar votokanda pasika mapadza? Kuvabatsira ikoko? Zvino yakava nyaya.

Hoo, hapana zvakabva zvapindirirwawo, ndonyaya yanga ichirambwa namufundisi vativerengera Bible apa navanonzi VaMawarire. Hameno kwavakabva nako, ndangovanzwawo zvonzi ahh, ndivo vabva vauya vachisvetukira nyaya idzi.

Kuti haa, vanhu havanganzarwo, ngakuregerwe vachitenga zvavanoda ikoko. Zvino zvakadaro hapana nyika pasi pano isingazvidzivirire. Hapana, hapana! Nyika dzose pasi pano hadzibvume kuti zvinhu zvakachipa zvingouya munyika yadzo.

Ah ah, ndiyo yavanoti dumping iyoyo. Hatidi isisu kuti dumping-wo iitwe muno umu. Zvimwe chetezvo nezvimbatya zvinongouya, zvesecond hand. Zvimwe munozviti chii? Mazitye, zvimwe zvinobva nekuChina zvakachipa. Maizviti chii?

Zvose izvozvo. Zvino kana muine mbatya, muchiita mafactory anoita mbatya, mungave nesecond hand, hamungade kuti mazitye apinde anotadzisaka ava vane mbatya dzakanaka ava.

Ndozvazviri izvo. Zvino moti ahh, nekuti vanhu vedu vanga vakuchemawo kuti taakunorasa zvirimwa zvedu nekuti zveSouth Africa zviri kupinda zvakawandisa. Asi kana tisingarime muno, ahh, tingagoti tiri kuitei tichirambidza kuti kana zviri zvokudya zvichiuya muno umu?

Huku dzinobva kuBrazil dzine jekiseni yemvura mukati kuti dzifute dzohodhwa kuSouth Africa, dzonzi dzakachipa dzouya kuno?

Zvino vanhu vari mumabasa vanongoti zvakatichipira kugocha, ehe but isu tinenge tichiti kwete, tinadzo huku dzakawanda, mazai azere tinawo muno akawanda, nyama yenguruve izere yakawanda.

Continued next page

(1308 VIEWS)

This post was last modified on August 10, 2016 2:51 pm

Page: 1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

Zimbabwe quarterly taxes to force businesses to sell products in ZiG

Quarterly taxes, which are due next month, will force businesses to sell a quota of…

May 11, 2024

Zimbabweans may soon be able to change ZiG to US dollars and vice-versa on their phones

Zimbabweans will soon be able to change their ZiG to United States dollars and vice-versa…

May 10, 2024

Tshabangu says it will take 67 years to complete the Bulawayo-Nkayi Road at the current pace

Senator Sengezo Tshabangu yesterday expressed dismay at the pace at which the government is constructing…

May 10, 2024

Zimbabwe to fine those breaching official exchange rate US$15 000 or more

Zimbabwe has ordered providers of goods and services to use the official exchange rate or…

May 10, 2024

Zimbabwe to introduce legislation to ensure official exchange rate is used for pricing

Zimbabwe is going to introduce legislation which ensures that the country uses one exchange rate…

May 8, 2024

Are Zimbabweans giving social media more credit than it deserves?

The role of social media on how people get their news in Zimbabwe is being…

May 3, 2024