Categories: Stories

Mugabe says protests don’t pay

Zvinobatsirei kuti muende mumugwagwa mune chinangwa chekuti muratidze kuti munogona kukanda matombo? Kupotsera matombo? Munogona kurova mapurisa nematombo? Tinenge tisingade izvozvo. Kunorova mashops evanhu, mabusiness edu atinawo? Kazhinji ndizvo zvinoitika izvozvo.

Mota dzinorohwa nematombo sekunge vanhu vasati vasanduka, tinodarirei? Kana iri demonstration yabvumirwa nemapurisa, ngaiitwe nemutowo kwawo, vanhu vakanyarara. Kwete senge sezvana Mawarire, zvekuti aah, vanhu mukai muende mumugwagwa muchiita violence. Hatizvide.

But kana zvadaro, iri party iri kudaro tinenge tisina nemhosva neparty kana ichidawo kuorganiser kuti aah, ionekwe kuti iriko, “musakanganwe kuti tiripowo”. Asi zvekuzoti vatore matombo hatizvide. Hatidi violence iyoyo. Zvekuti vabatane vachikokana kuti huyai tiite hovhiyo sezvirikuitwa kunyika dzekumaArab. Zvichinzi ndozvinoita kuti tikwanise kuputsa hurumende.

Ko, vote yaenda kupi yakaisvonaka? Hamuchada vote? Ko ndiyo democracy ka. Makanganwa nhasi democracy? Ndakanzwa vaTsvangirai vachiti ngatibatanei tiite coalition, tigoita maprotests. Ndiyo nzira chete yatingaputse nayo hurumende. Kureva kuti matadza pamaelection kukurira hurumende, kukurira Zanu-PF ka?

Ehe, chiri chokwadiwo, ipartyka yevanhu Zanu-PF, iparty ine midzi. Iyi midzi iyi, ndoiri pano midzi yacho iyi. Neropa rakadeuka riri pano iri. Makuva haasi ekutamba nawo aya. Aah, ane nyaya, ane hurukuro yakakosha.

Nhoroondo yemberi, yekutambudzika, yekurwira vazhinji, yekuti nyika ibve mumaoko evavengi, iuye nhasi uno mumaoko edu.

Kuti bhunhu riye raisimbovhaira richiti murume oga oga “boy, boy”, mai voga voga vainzi “nanny nanny”, radhamba. Rakadhambiswa! Ivhu rauya mumaoko evanhu, vanhu vatora nyika yavo yechizvarwa. Haichabva mumaoko avo zvakare and Zimbabwe will never be a colony again.

Ndooshoko ravari kutaura varume nemadzimai vari pano apa. Kuti nhoroondo iyi chengetedzai. Mugare muchiyeuka. Tiri kuvayeuka nhasi uno, tichizvipira kuti aewa hatitsauke, hatikurasei, tinemi, tinemi nyangwe muri pasi apa.

Continued next page

(1750 VIEWS)

This post was last modified on August 10, 2016 2:51 pm

Page: 1 2 3 4 5 6 7 8 9 10 11 12

Charles Rukuni

The Insider is a political and business bulletin about Zimbabwe, edited by Charles Rukuni. Founded in 1990, it was a printed 12-page subscription only newsletter until 2003 when Zimbabwe's hyper-inflation made it impossible to continue printing.

Recent Posts

Zimbabwe GDP has grown from $16 billion under Mugabe to $50 billion under Mnangagwa but what do we have to show for this?

I have always been fascinated by Joseph Hanlon’s book on Mozambique entitled: Do bicycles equal…

April 4, 2025

Murwira says brick moulding is a reserved sector for Zimbabweans but is this true?

Zimbabwe Foreign Affairs and International Trade Minister Amon Murwira yesterday said brick moulding is a…

April 4, 2025

Why are Chinese companies being allowed to fire Zimbabweans and hiring unskilled Chinese?

Kwekwe legislator Judith Tobaiwa has asked why Zimbabwe is allowing Chinese companies to flout local…

April 4, 2025

Zimbabwe goods to attract 18% tariffs as US introduces measures to curb trade deficit

The United States yesterday introduced “reciprocal trade and tariffs” to reduce its trade deficit which…

April 3, 2025

Minister admits Zimbabwe does not have resources to drill 35 000 boreholes by 2030

Lands and Agriculture Minister Anxious Masuka admitted in Parliament yesterday that the government did not…

April 3, 2025

Ministers who sent apologies not to attend question time

The number of government ministers and their deputies who sent apologies not to attend question…

April 2, 2025