Mugabe says protests don’t pay

Zvinobatsirei kuti muende mumugwagwa mune chinangwa chekuti muratidze kuti munogona kukanda matombo? Kupotsera matombo? Munogona kurova mapurisa nematombo? Tinenge tisingade izvozvo. Kunorova mashops evanhu, mabusiness edu atinawo? Kazhinji ndizvo zvinoitika izvozvo.

Mota dzinorohwa nematombo sekunge vanhu vasati vasanduka, tinodarirei? Kana iri demonstration yabvumirwa nemapurisa, ngaiitwe nemutowo kwawo, vanhu vakanyarara. Kwete senge sezvana Mawarire, zvekuti aah, vanhu mukai muende mumugwagwa muchiita violence. Hatizvide.

But kana zvadaro, iri party iri kudaro tinenge tisina nemhosva neparty kana ichidawo kuorganiser kuti aah, ionekwe kuti iriko, “musakanganwe kuti tiripowo”. Asi zvekuzoti vatore matombo hatizvide. Hatidi violence iyoyo. Zvekuti vabatane vachikokana kuti huyai tiite hovhiyo sezvirikuitwa kunyika dzekumaArab. Zvichinzi ndozvinoita kuti tikwanise kuputsa hurumende.

Ko, vote yaenda kupi yakaisvonaka? Hamuchada vote? Ko ndiyo democracy ka. Makanganwa nhasi democracy? Ndakanzwa vaTsvangirai vachiti ngatibatanei tiite coalition, tigoita maprotests. Ndiyo nzira chete yatingaputse nayo hurumende. Kureva kuti matadza pamaelection kukurira hurumende, kukurira Zanu-PF ka?

Ehe, chiri chokwadiwo, ipartyka yevanhu Zanu-PF, iparty ine midzi. Iyi midzi iyi, ndoiri pano midzi yacho iyi. Neropa rakadeuka riri pano iri. Makuva haasi ekutamba nawo aya. Aah, ane nyaya, ane hurukuro yakakosha.

Nhoroondo yemberi, yekutambudzika, yekurwira vazhinji, yekuti nyika ibve mumaoko evavengi, iuye nhasi uno mumaoko edu.

Kuti bhunhu riye raisimbovhaira richiti murume oga oga “boy, boy”, mai voga voga vainzi “nanny nanny”, radhamba. Rakadhambiswa! Ivhu rauya mumaoko evanhu, vanhu vatora nyika yavo yechizvarwa. Haichabva mumaoko avo zvakare and Zimbabwe will never be a colony again.

Ndooshoko ravari kutaura varume nemadzimai vari pano apa. Kuti nhoroondo iyi chengetedzai. Mugare muchiyeuka. Tiri kuvayeuka nhasi uno, tichizvipira kuti aewa hatitsauke, hatikurasei, tinemi, tinemi nyangwe muri pasi apa.

Continued next page

(1308 VIEWS)

Comments

No comments yet. Why don’t you start the discussion?

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *