Mugabe says protests don’t pay

Tinge tichionana zvisinei kuti unobva kuregion iyi, unobva kunzvimbo iyi. Ko, ndozvataisungirwawo kuitaka. Kuti nzvimbo dzese dzigarwe zvisinei kuti unotaura mutauro uyu wakasiyana nevamwe, zvisinei kuti unoenda kuchurch ipi kana ipi, asi dziri church dzakanangana nezwi raMwari.

Kwete dzimwe dzemazuva ano dzakanangana nemari, dzinopembedza mari kupfuura Mwari.

Tinotenda shoko ratapihwa namufundisi ranhasi. Tive vanhu vanoona kuti nyika ndeyedu tose, naizvozvo hurumende kana ichiedza zvainoedza kuita kuti tibudirire, inenge ichiedzera izvozvo, ichizama nekwayo kuzamira mhuri yose yeZimbabwe.

Kana tava nenjodzi ingatipinde, takaita njodzi yemasanctions yataramba tinayo. Kozouya njodzi yekushaya mvura zvoreva kuti zvekudya zvinenge zvoshomeka. Tova neruzivo rwokuti dambudziko renyika kana rouya rauyira tose.

Kwete kuzoti rauya, tobva toti aahh, hurumende heyo yatadza kuita basa.

Hurumende haisiriyo inonaisa mvura, kwete. Asika chionai. Zvadaro, inozama nekuzama kwainogona nako kuti mhuri irarame, kwese kwese. Hazvinei kuti uyu uyu ndewe party ipi kana ipi. Tinenge tichida kuti ararame, adye achirarama.

Kana chakawanda, ngaadye achiita dumbu, hazvirambidzwe. Asi kana chakashomeka, aah, tininge tichiti hachitikwanire. Saka chisina kukukwanira iwe kana uri weMDC kana uri People First kana People Second, usashore. Usati aiwa, aahh, chikafu chakupiwa veZanu-PF chete. Handizvo. Handi chokwadi. Endai mumamana, handizvo zvatiri kuita. Handizvo zviri patsika yedu, maitiro edu, pamabatiro edu enyika. Handizvowo zvakare zviripo. Kana tichitevera shoko raMwari raparidzwa pano nhasi, tose tiri vana venyika.

Economic activity in the agriculture-related sectors remains subdued owing to the El Nino weather phenomenon, which was characterised by low and erratic rainfall.

This resulted in reduced agriculture production thereby negatively affecting the food and nutrition security situation in the country. In view of this Government is committed to pursuing strategies that guarantee food security in rural and urban households.

Continued next page

(1308 VIEWS)

Comments

No comments yet. Why don’t you start the discussion?

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *